Malachi 1:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge Edomi ʋakati: Takaparadzwa heɗu, asi ticadzoka tikaʋaka ɀe matoŋgo; ɀanzi naJehova wehondo: Ʋacaʋaka, asi ini ndicakoromora; ʋanhu ʋacaʋatumidza, nyika yeɀakaipa, ʋuye ʋanhu ʋakatsamŋirwa naJehova nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Edhomu angati, “Kunyange takaparadzwa hedu, tichavakazve matongo.” Asi zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Vangavaka havo, asi ndichakoromora. Vachanzi Nyika Yakaipa, vanhu vachagara vakatsamwirwa naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dai kuri kuti Edhomu inoti, “Takaputswa asi tichavaka hedu matongo acho.” Tenzi wehondo nehondo ari kuti, “Kuvaka, vangavake havo asi ini ndichavapaza kudzamara vava kunzi, ‘Nyika youipi yavanhu vakagara vakashatirirwa naTenzi narinhi wose.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kunyange Edhomu vakati, ‘Takaparadzwa hedu, asi tichadzoka tikavakazve matongo,’ zvanzi naJehovha wehondo, ‘Vachavaka, asi ini ndichakoromora;’ vanhu vachavatumidza, nyika yezvakaipa, uye vanhu vakatsamwirwa naJehovha nokusingaperi.
Shona 2009?
"Kunyange Edhomu vakati, `Takaparadzwa hedu, asi tichadzoka tikavakazve matongo;' zvanzi naJehovha wehondo, `Vachavaka, asi ini ndichakoromora;' vanhu vachavatumidza, nyika yezvakaipa, uye vanhu vakatsamwirwa naJehovha nokusingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
“Kunyangwe Edhomu vakati, ‘Takaparadzwa hedu, asi tichadzoka tikavakazve matongo;’ zvanzi naJehovha wehondo, ‘Vachavaka, asi ini ndichakoromora;’ vanhu vachavatumidza, nyika yezvakaipa, uye vanhu vakatsamwirwa naJehovha nokusingaperi.