Malachi 1:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino cikumbirai henyu nyasha dzaMŋari, kuti atinzwire ŋgoni. Ndiɀo ɀakaitwa namaʋoko enyu; ko uŋgagamucira mumŋe wenyu here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha Wamasimba Ose anoti, “Zvino kumbirai Mwari kuti atiitire nyasha. Nezvipo zvakadai zvinobva mumaoko enyu, angakugamuchirai here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino chikumbirai Mwari tione kuti atiitire tsiye nyoro agotinzwirawo ngoni. Imi mune chipo chakadaro mumaoko menyu angakuitirei tsiye nyoro here? Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino chikumbirai henyu nyasha dzaMwari, kuti atinzwire ngoni. Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Shona 2009?
"Zvino chikumbirai henyu nyasha dzaMwari, kuti atinzwire ngoni. Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino chikumbirai henyu nyasha dzaMwari, kuti atinzwire ngoni. Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.