Malachi 2:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko haana‐kuita mumŋe cete, kunyaŋge akaŋga ano mumŋe Mŋeya wakasara here? Ɀino wakaitireiko mumŋe cete? Wakatȿaka rudzi rwaMŋari. Saka cenjererai mŋeya yenyu, kurege kuʋa nomumŋe unonyeŋgera mukadzi woʋujaya bgake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha haana kuvaita mumwe here? Panyama nomweya ndevake. Uye nemhaka yei mumwe? Nokuti aitsvaka rudzi rune umwari. Saka zvichenjerere pamweya wako, uye usaputsa sungano nomukadzi woujaya hwako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Haasiri iye here akavaita chinhu chimwechete akaramba angotichengetera mweya woupenyu? Shungu dzake ipapo ndedzokuitei chaizvo? Handiti kuti pamuke rudzi runotya Mwari? Saka chichenjererai kuti munhu arege kuva asina kutendeseka kumudzimai wake akamubvisa mugota,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko haana kuita mumwe chete, kunyange akanga ane mumwe Mweya wakasara here? Zvino wakaitireiko mumwe chete? Wakatsvaka rudzi rwaMwari. Saka chenjererai mweya yenyu, kurege kuva nomumwe anonyengera mukadzi woujaya hwake.
Shona 2009?
Ko haana kuita mumwe chete, kunyange akanga ane mumwe Mweya wakasara here? Zvino wakaitireiko mumwe chete? Wakatsvaka rudzi rwaMwari. Saka chenjererai mweya yenyu, kurege kuva nomumwe anonyengera mukadzi woujaya hwake.
Shona SUB 2002 Bible
Ko haana kuita mumwechete, kunyangwe akanga ane mumwe Mweya wakasara here? Zvino wakaitireiko mumwechete? Wakatsvaka rudzi rwaMwari. Saka chenjererai mweya yenyu, kurege kuva nomumwe anonyengera mukadzi woujaya hwake.