Malachi 2:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndinoʋeŋga kurambana — ndiɀo ɀinotaura Jehova, Mŋari waIsraeri — ʋuye munhu unofukidza ŋguʋo yake nokumanikidza — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; saka cenjererai mŋeya yenyu, kuti murege kunyeŋgera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndinovenga kurambana,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari weIsraeri, “uye ndinovenga murume anofukidza nguo yake nokumanikidza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. Saka zvichenjerere pamweya uye usaputsa chitenderano.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti, “Ndinovenga kurambana.” Ndizvo zvinotaura Tenzi, Mwari weIsiraeri, uye munhu anopfeka utsinye sehembe. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Naizvozvo imi ngwarirai mweya yenyu murege kuva vanyengedzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndinovenga kurambana ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsiraeri uye munhu anofukidza nguo yake nokumanikidza ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; saka chenjererai mweya yenyu, kuti murege kunyengera.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible