Malachi 2:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mucaziʋa kuti ndini ndakakutumirai murairo uyu, kuti suŋgano yaŋgu iʋe naRevi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye muchaziva kuti ndakakutumirai yambiro iyi kuitira kuti sungano yangu naRevhi irambe iripo,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndopamuchazoziva kuti ndakutemerai murao iwoyu kuitira kuti chitenderano changu nevokwaRevhi chibate. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo muchaziva kuti ndini ndakakutumirai murayiro uyu, kuti sungano yangu ive naRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Shona 2009?
Ipapo muchaziva kuti ndini ndakakutumirai murayiro uyu, kuti sungano yangu ive naRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo muchaziva kuti ndini ndakakutumirai murairo uyu, kuti sungano yangu ive naRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.