Malachi 2:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi imi makatsauka panzira; makagumbusa ʋazhinji pamurairo; makaȿiɓisa suŋgano yaRevi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi imi makatsauka panzira uye nedzidziso yenyu makagumbusa vazhinji; makaputsa sungano naRevhi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi imimi makatsauka mugwara, makaitisa kuti vakawanda vapingiridzwe nechidzidziso chenyu. Makan'oresa chitenderano chokwaRevhi ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi imi makatsauka panzira; makagumbusa vazhinji pamurayiro; makasvibisa sungano yaRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Shona 2009?
Asi imwi makatsauka panzira; makagumbusa vazhinji pamurayiro; makasvibisa sungano yaRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi imi makatsauka panzira; makagumbusa vazhinji pamurairo; makasvibisa sungano yaRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.