Malachi 2:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka ndakakuitai ʋanhu ʋanoɀidzwa naʋanorambga naʋanhu ʋose, ɀamusina‐kuceŋgeta nzira dzaŋgu, mukatsaura ʋanhu pa kutoŋga murairo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Nokudaro ndakaita kuti muzvidzwe uye munyadziswe pamberi pavanhu vose, nokuti hamuna kuchengeta nzira dzangu asi makaita rusarura pakutonga kwenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndokusaka ini ndavakuitawo kuti imi muve vanhu vakashoreka vokupedzesera zvavo kuvanhu vose sokuregawo kuchengeta nzira dzangu kwamakaita, makatoita zvenyu rusaruro pane zvemitemo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka ndakakuitai vanhu vanozvidzwa navanorambwa navanhu vaose, zvamusina kuchengeta nzira dzangu, mukatsaura vanhu pakutonga murayiro.
Shona 2009?
Saka ndakakuitai vanhu vanozvidzwa navanorambwa navanhu vaose, zvamusina kuchengeta nzira dzangu, mukatsaura vanhu pakutonga murayiro.
Shona SUB 2002 Bible
Saka ndakakuitai vanhu vanozvidzwa navanorambwa navanhu vose, zvamusina kuchengeta nzira dzangu, mukatsaura vanhu pakutonga murairo.