Malachi 3:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuyai neɀegumi ɀose muimba yokuʋigira, kuti ɀokudya ɀiʋe’po mumba maŋgu, mundiidze naiɀoɀi ɀino — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — muʋone kana ndisiŋgakuzaruriyi mawindi okuɗeŋga, ndikakuɗururirai mukomborero wamucashaiwa pokuisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyai nezvegumi zvose kudura, kuti mugova nezvokudya mumba mangu. Ndiedzei muna izvozvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “uye muone kana ndisingakuzarurirei mawindo okudenga, uye ndigokudururirai maropafadzo mazhinji zvokuti muchashayiwa pokuaisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uyai nezvegumi zvakakwana mumba mokuchengetera zvinhu kuitira kuti mumba mangu muve nechokudya nezvo mundiedze henyu ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo muone kuti ini ndinorega here kukuzarurirai mahwindho okudenga ndichikuwodzvorerai mafashafasha emakomborero.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uyai nezvegumi zvose muimba yokuvigira, kuti zvokudya zvivepo mumba mangu, mundiidze naizvozvi zvino ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muone kana ndisingakuzaruriyi mawindo okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashaiwa pokuisa.
Shona 2009?
Uyai nezvegumi zvose muimba yokuvigira, kuti zvokudya zvivepo mumba mangu, mundiidze naizvozvi zvino ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muone kana ndisingakuzaruriyi mahwindo okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashaiwa pokuisa.
Shona SUB 2002 Bible
Uyai nezvegumi zvose muimba yokuvigira, kuti zvokudya zvivepo mumba mangu, mundiidze naizvozvi zvino ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muone kana ndisingakuzarurirei mahwindo okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashaiwa pokuisa.