Malachi 3:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋacaʋa ʋaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — iʋo ʋaŋgu caiʋo, nezuʋa randica ɀi ita; ndicaʋanzwira tsitsi, somunhu unonzwira tsitsi mŋanakomana wake unomuɓatira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Vachava vangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “pazuva randichaunganidza pfuma yangu inokosha. Ndichavanzwira tsitsi, somunhu anonzwira tsitsi mwanakomana wake anomushandira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ivavo vachava vanhu vangu,” ndizvo zviri kureva Tenzi wehondo nehondo. “Vachava upfumi hwangu hwakakosha kwazvo pazuva randichazoita zvandinoita. Uye ndichavachengetedza sokuchengetedza kunoita munhu mwana wake mukomana anomushandira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vachava vangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ivo vangu chaivo, nezuva randichazviita; ndichavanzwira tsitsi, somunhu anonzwira tsitsi mwanakomana wake anomubatira.
Shona 2009?
Vachava vangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ivo vangu chaivo, nezuva randichazviita; ndichavanzwira tsitsi, somunhu anonzwira tsitsi mwanakomana wake anomubatira.
Shona SUB 2002 Bible
Vachava vangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ivo vangu chaivo, nezuva randichazviita; ndichavanzwira tsitsi, somunhu anonzwira tsitsi mwanakomana wake anomubatira.