Malachi 3:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mucaʋona ɀe kusiyana kwowakarurama nowakaipa, kwounoshumira Mŋari nousiŋgamushumiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye muchaonazve musiyano pakati pavakarurama nevakaipa, pakati pavaya vanoshumira Mwari navaya vasingamushumiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapozve ndipo pamuchazosiyanisa mutsauko uri pakati pomururami nomuipi napakatiwo pomunhu anoshandira Mwari neasingamushandire.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo muchaonazve kusiyana kwowakarurama nowakaipa, kwoanoshumira Mwari noasingamushumiri.
Shona 2009?
Ipapo muchaonazve kusiyana kowakarurama nowakaipa, koanoshumira Mwari nowasingamushumiri.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo muchaonazve kusiyana kwowakarurama nowakaipa, kwoanoshumira Mwari noasingamushumiri.