Malachi 4:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye ucadzorera mŋoyo yamadziɓaɓa kuʋana, nemŋoyo yaʋana kunamadziɓaɓa aʋo, kuti ndirege kuʋuya ndiroʋe nyika nokutuka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye achadzosera mwoyo yamadzibaba kuvana vavo, uye mwoyo yavana kumadzibaba avo; kana kuti ndichauya ndigorova nyika nechituko.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye achapindutsa mwoyo yamadzibaba kuti vanzwanane navana vavo uyewo kupindutsa mwoyo yavana kuitira kuti vanzwanane namadzibaba avo; nokuti ndingadaro ndikauya ndikapinza nyika murushambwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye achadzorera mwoyo yamadzibaba kuvana, nemwoyo yavana kuna madzibaba avo, kuti ndirege kuuya ndirove nyika nokutuka.”
Shona 2009?
Iye achadzorera mwoyo yamadzibaba kuvana, nemwoyo yavana kuna madzibaba avo, kuti ndirege kuuya ndirove nyika nokutuka."
Shona SUB 2002 Bible
Iye achadzorera mwoyo yamadzibaba kuvana, nemwoyo yavana kuna madzibaba avo, kuti ndirege kuuya ndirove nyika nokutuka.”