Mark 1:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akaʋa murenje mazuʋa makumi manna, aciidzwa naSatani; wakaŋga ari kuɀikara, ʋatumŋa ʋakamushumira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye akanga ari murenje kwamazuva makumi mana, achiedzwa naSatani. Akanga ari pamwe chete nemhuka dzesango uye vatumwa vakamushandira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akagara murenje mazuva makumi mana achiedzwa naSatani. Imomo aingova nemhuka dzomusango, asi vatumwa vakanga vachimushandira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akava murenje mazuva makumi mana, achiedzwa naSatani; akagara nezvikara, vatumwa vakamushandira.
Shona 2009?
Akavako murenje mazuva makumi mana achiidzwa naSatani, uye wakanga ane mhuka dzesango, vatumwa vachimushumira.
Shona SUB 2002 Bible
akava murenje mazuva makumi mana, achiedzwa naSatani; akagara nezvikara, vatumwa vakamushumira.