Mark 1:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati acifamba paguŋgwa re Garirea, akaʋona Simoni, naAndrea, m unuŋuna waSimoni, ʋacikandira ʋutaʋ muguŋgwa, nokuti ʋakaŋga ʋari ʋaɓati ʋehoʋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu paakanga achifamba pamahombekombe eGungwa reGarirea, akaona Simoni nomunun'una wake Andirea vachikanda usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati achipfuura napagungwa reGarirea akaona Simoni naAndireya munun'una wake vachikanda usvasvi mugungwa nokuti vaiva vabvuvi vehove.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati achifamba pagungwa reGariria, akaona Simoni, naAndireya, munun'una waSimoni, vachikandira usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove.
Shona 2009?
Wakati achifamba napagungwa reGariri, akavona Simoni naAndiriya munun'una wake vachikandira mimbure mugungwa; nokuti vakanga vari varedzi vehove.
Shona SUB 2002 Bible
Akati achifamba pagungwa reGareriya, akaona Simoni, naAndireya, munun'una waSimoni, vachikandira usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove.