Mark 1:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati apfuʋura ɀishoma, akaʋona Jakobo, mŋanakomana waZebedi, naJohane munuŋuna wake, ʋacigadzira ʋutaʋa mugwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati afamba chinhambwe zvishoma, akaona Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun'una wake Johani vari mugwa, vachigadzira usvasvi hwavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti angoti fambe — fambei zvishoma, akaona Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake vari mugwa ravo vachigadzira usvasvi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati apfuura zvishoma, akaona Jakobho, mwanakomana waZebhedhi, naJohani munun'una wake, vachigadzira usvasvi muigwa.
Shona 2009?
Wakati apfuvura ipapo zvishoma, akavona Jakobho waZebhedhi, naJohwani munun'una wake vari muchikepe vachigadzira mimbure.
Shona SUB 2002 Bible
Akati apfuura zvishoma, akaona Jakobho, mwanakomana waZebhedhi, naJohani munun'una wake, vachigadzira usvasvi muigwa.