Mark 1:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Seɀaɀakanyorwa mumuprofita Isaya, ɀicinzi: Tarira, ndinotuma munyai waŋgu pamberi pako, Ucakunatsira nzira yako;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwakanyorwa muna Isaya muprofita kuchinzi: “Ndichatuma nhume yangu mberi kwako, uyo achagadzira nzira yako,”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
sokunyorwa kwazvakaitwa muna Isaya muporofita zvichinzi, “Chiona, ndinotuma nhume yangu pamberi pako, ichagadzirira nzira yako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Sezvazvakanyorwa mumuporofita Isaya, zvichinzi, “Tarira, ‘Ndinotuma munyai wangu pamberi pako,’ Achakunatsira nzira yako;
Shona 2009?
sezvazvakanyorwa muvaprofita \add zvichinzi\add*: Tarira, ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, uchagadzira nzira yako pamberi pako.
Shona SUB 2002 Bible
Sezvazvakanyorwa mumuporofita Isaya zvichinzi, “Tarira, ‘Ndinotuma munyai wangu pamberi pako,’ Achakunatsira nzira yako;