Mark 1:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakatya ɀikuru ʋose, nokuɗaro ʋakaita nyaya, ʋaciti: Cinyiko ici? Kudzidzisa kutȿa kunesimba! Unoraira kunyaŋge nemŋeya yetȿina ikamuterera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi? Idzidziso itsva ine simba! Anorayira kunyange mweya yakaipa, uye ichimuteerera.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Ko, chiiko ichi? Chidzidziso chitsvasu! Anotaurira kunyange mweya yetsvina ichimuteera.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakatya zvikuru vose, nokudaro vakaita nyaya, vachiti, “Chinyiko ichi? Kudzidzisa kutsva kune simba! Anorayira kunyange nemweya yakaipa ikamuterera.”
Shona 2009?
Vakashamiswa vose, zvikuru kudai kuti vakavhunzana pakati pavo, vachiti: Chinyiko ichi? Idzidziso itswa yei iyi? nokuti nesimba unoraira kunyange mweya yakaipa, uye inomuteerera.
Shona SUB 2002 Bible
Vakatya zvikuru vose, nokudaro vakaita nyaya, vachiti, “Chiiko ichi? Kudzidzisa kutsva kune simba! Anoraira kunyangwe nemweya yakaipa ikamuterera.”