Mark 1:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaporesa ʋazhinji ʋakaŋga ʋacirwadziwa namarudzi ehosha, akaɓuɗisa mŋeya yakaipa mizhinji; asi wakaŋga asiŋgatenderi mŋeya yakaipa kutaura, nokuti yakaŋga icimuziʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere zvakasiyana-siyana. Akadzingawo madhimoni mazhinji, asi akanga asingatenderi madhimoni kuti ataure nokuti akanga achiziva kuti iye ndiani.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akaporesa vazhinji vaiva namatenda akasiyana — siyana, achidzingawo mweya yakaipa mizhinji; akanga asingabvumiri mweya yakaipa iyoyo kuti itaure chinhu nokuti yakanga ichimuziva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaporesa vazhinji vakanga vachirwadziwa namarudzi ehosha, akabudisa mweya yakaipa mizhinji; asi akanga asingatenderi mweya yakaipa kutaura, nokuti yakanga ichimuziva.
Shona 2009?
Akaporesa vazhinji vakanga vachirwara nezvirwere zvakasiyana-siyana, akabudisa mweya yakaipa mizhinji; asi wakanga asingatenderi mweya yakaipa kutaura, nokuti yakanga ichimuziva.
Shona SUB 2002 Bible
Akaporesa vazhinji vakanga vachirwadziwa namarudzi ehosha, akabudisa mweya yakaipa mizhinji; asi akanga asingatenderi mweya yakaipa kutaura, nokuti yakanga ichimuziva.