Mark 1:44 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaari: Cenjera kuti urege kuʋudza munhu cinhu; asi enda uɀiratidze kumuprista, uɓayire pamsoro pokunatswa kwako ɀakarairwa naMosesi, ciʋe capupu kwaʋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Chenjera kuti urege kuudza mumwe munhu. Asi enda, undozviratidza kumuprista ugobayira chipiriso chakarayirwa naMozisi chokuporeswa kwako, chive chapupu kwavari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
achiti kwaari, “Uone kuti usataurire kana ani zvake; asi enda undozviratidza kumupristi, upe chipo chokuchenurwa kwako sezvakatemwa naMosesi, kuti chive chapupu kuvanhu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwaari, “Chenjera kuti urege kuudza munhu chinhu; asi enda uzviratidze kumupristi, ubayire pamusoro pokunatswa kwako zvakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.”
Shona 2009?
Akati kwaari: Vona kuti urege kuvudza munhu chinhu; asi enda, uzviratidze kumuprista, ubayire pamusoro pokunatswa kwako zvinhu izvo zvakarairwa naMozisi, chive chapupu kwavari.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwaari, “Chenjera kuti urege kuudza munhu chinhu; asi enda uzviratidze kumupristi, ubayire pamusoro pokunatswa kwako zvakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.”