Mark 1:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Namazuʋa iwayo Jesu wakabva Nazareta muGarirea, akabapatidzwa naJohane muJordani.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva iyoyo Jesu akauya achibva kuNazareta muGarirea uye akabhabhatidzwa naJohani muJorodhani.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino pamazuva iwayo Jesu akauya achibva kuNazareti yokuGarirea akaombekwa naJohani muna Jorodhani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Namazuva iwayo Jesu akabva Nazareta muGariria, akabhabhatidzwa naJohani muna Jorodhani.
Shona 2009?
Zvino zvakaitika namazuva iwayo kuti Jesu wakabva Nazareta yeGariri, akabhabhatidzwa naJohwani muJoridhani.
Shona SUB 2002 Bible
Namazuva iwayo Jesu akabva Nazareta muGareriya, akabhabhatidzwa naJohani muna Jodhani.