Mark 10:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakasimuka’po, akaȿika munyika yeJudea, nemhiri kwaJoridani, ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaʋuŋganira ɀe kwaari; akaʋadzidzisa ɀe seɀaakaŋga acisiita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Jesu akabva panzvimbo iyoyo akaenda munyika yeJudhea uye akayambuka mhiri kweJorodhani. Vanhu vazhinji vakauyazve kwaari, uye sezvayakanga iri tsika yake, akavadzidzisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Jesu akabvapo ndokuenda kudunhu reJudhea nokumhiri kwaJorodhani. Mapoka avanhu akamuunganira zvakare akavadzidzisazve sezvaaigaroita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akasimukapo, akasvika munyika yeJudhea, nemhiri kwaJorodhani, vanhu vazhinji-zhinji vakaunganirazve kwaari; akavadzidzisazve sezvaakanga achisiita.
Shona 2009?
Zvino wakati asimukapo, akasvika kumiganhu yeJudhiya, nemhiri kwaJoridhani, chaunga chikavunganirazve kwaari; zvino akavadzidzisa zvese zvaakanga ajaira.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akasimukapo, akasvika munyika yeJudhiya, nemhiri kwaJodhani, vanhu vazhinji zhinji vakaunganirazve kwaari; akavadzidzisazve sezvaakanga achisiita.