Mark 10:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati aciɓuɗa kunzira, mumŋe akamhanyira kwaari, akafugama pamberi pake akamubvunza, aciti: Mudzidzisi wakanaka, ndiŋgaiteiko kuti ndigare nhaka yoʋupenyu bgusiŋgaperi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati achifamba munzira, mumwe munhu akamhanyira kwaari akawira pasi namabvi ake pamberi pake. Akabvunza akati, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti ava kupinda munzira, mumwe munhu akamumhanyira ndokusvikopfugama mberi kwake omubvunza achiti, “Mudzidzisi wakanaka, ndingaitei kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati achibuda kunzira, mumwe akamhanyira kwaari, akapfugama pamberi pake akamubvunza, achiti, “Mudzidzisi Wakanaka, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka yohupenyu husingaperi?”
Shona 2009?
Zvino wakati achibudira kunzira, kwakavuya mumwe achimhanya, akamufugamira akamubvunza, \add achiti\add*: Mudzidzisi wakanaka, ndingaiteko kuti ndigare nhaka youpenyu hwusingaperi?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati achibuda kunzira, mumwe akamhanyira kwaari, akapfugama pamberi pake akamubvunza, achiti, “Mudzidzisi Wakanaka, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?”