Mark 10:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akamutarira akamuɗa, akati kwaari: Unoshaiwa cinhu cimŋe cete; enda, uteŋgese ɀose ɀaunaɀo, upe ʋarombo, uʋe nefuma kuɗeŋga; ugoʋuya, unditeʋere.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akamutarira uye akamuda, akati kwaari, “Unoshayiwa chinhu chimwe chete. Enda undotengesa zvinhu zvose zvaunazvo upe kuvarombo, ugova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya, unditevere.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akamutarisa akamuda, ndokumuti, “Une chimwechete chausina; chokuti enda undotengesa zvose zvaunazvo upe kuvarombo, uchava noupfumi kudenga; ugouya wonditevera.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akamutarira akamuda, akati kwaari, “Unoshaiwa chinhu chimwechete; enda, utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nepfuma kudenga; ugouya, unditevere.”
Shona 2009?
Ipapo Jesu akamutarira akamuda, akati kwaari: Chinhu chimwe chaunoshaiwa; enda, utengese zvose zvaunazvo upe varombo, ipapo uchava nefuma kudenga; ugovuya utakure muchinjikwa, unditevere.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akamutarira akamuda, akati kwaari, “Unoshaiwa chinhu chimwechete; enda, utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nepfuma kudenga; ugouya, unditevere.”