Mark 10:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
usiŋgazopiwi ɀinezana neŋguʋa ino, dzimba naʋanuŋuna, nehanɀadzi, namadzimai, naʋana, neminda, pamŋe cete nokuʋeŋgwa, noʋupenyu bgusiŋgaperi neŋguʋa inoʋuya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
achakonewa kugamuchira zvakawanda kakapetwa kazana munguva ino (misha, vanun'una, hanzvadzi, vanamai, vana neminda, uye pamwe chete naizvozvo, kutambudzika) uye panguva inouya, upenyu husingaperi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
asingazowana zvakapetwa kazana iye zvino munguva ino, misha, vakoma navanun'una, nehanzvadzi, nanaamai, navana, neminda pamwe nokutambudzwa panguva ino noupenyu husingaperi panguva ichauya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asingazopiwi zvine zana nenguva ino, zvedzimba vakoma navanun'una, nehanzvadzi, namadzimai, navana, neminda, pamwechete nokuvengwa, noupenyu husingaperi nenguva inouya.
Shona 2009?
usingazopiwi zvinezana nenguva ino, dzimba navanun'una namadzikoma, nehanzvadzi, nanamai, navana, neminda, nokutambudzwa, noupenyu hwusingaperi munguva inovuya.
Shona SUB 2002 Bible
asingazopiwi zvine zana nenguva ino, zvedzimba vakoma navanun'una, nehanzvadzi, namadzimai, navana, neminda, pamwechete nokuvengwa, noupenyu husingaperi nenguva inouya.