Mark 10:38 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jesu wakati kwaʋari: Hamuziʋi ɀamunokumbira. Muŋgagona kunwira pamukombe pandinonwira ini, nokubapatidzwa norubapatidzo rwandinobapatidzwa narwo here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona here kunwa mukombe wandinonwa kana kubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akavapindura achiti, “Hamuzivi zvamurikukumbira. Munogona here kunwa mukombe wandinonwa ini kana kuombekwa noruombeko rwandinoombekwa narwo ini?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jesu akati kwavari, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira mumukombe wandinonwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo here?”
Shona 2009?
Asi Jesu wakati kwavari: Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kumwa zvomukombe wandinomwa here? nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo here?
Shona SUB 2002 Bible
Asi Jesu akati kwavari, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira mumukombe wandinonwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo here?”