Mark 10:39 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati kwaari: Tiŋgagona. Jesu akati kwaʋari: Mucanwira henyu pamukombe pandinonwira ini, nokubapatidzwa norubapatidzo rwandinobapatidzwa narwo ini;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakapindura vakati, “Tinogona.” Jesu akati, “Muchanwa mukombe wandinonwa uye muchabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo vakati kwaari, “Tinogona.” Jesu akati kwavari, “Hongu mukombe wandinonwa ini, muchanwa noruombeko rwandinoombekwa narwo muchaombekwawo narwo;
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati kwaari, “Tingagona.” Jesu akati kwavari, “Muchanwira henyu mumukombe wandinonwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini;
Shona 2009?
Vakati kwaari: Tingagona, Jesu akati kwavari: Muchamwa zvirokwazvo zvomukombe wandinomwa ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini;
Shona SUB 2002 Bible
Vakati kwaari, “Tingagona.” Jesu akati kwavari, “Muchanwira henyu mumukombe wandinonwira ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini;