Mark 10:46 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaȿika Jeriko; ɀino wakati aciɓuɗa Jeriko naʋadzidzi ʋake naʋazhinjizhinji, Bartimeo, mŋanakomana waTimeo, raiʋa ɓofu riri rombe, wakaŋga agere panzira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vakasvika kuJeriko. Jesu navadzidzi vake, pamwe chete navanhu vazhinji, vakati vobuda muguta, Bhatimeo, murume akanga ari bofu, (ndiye mwanakomana waTimeo), akanga agere parutivi penzira achikumbira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakazosvika kuJeriko. Kuzoti ava kubuda muJeriko navadzidzi vake negurumwandira ravanhu, Bhatimeusi mwana waTimeo, mupemhi aiva bofu akanga agere parutivi pomugwagwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakasvika Jeriko; zvino akati achibuda Jeriko navadzidzi vake navazhinji-zhinji, Bhatimeo, mwanakomana waTimeo, raiva bofu riri rombe, wakanga agere panzira.
Shona 2009?
Vakasvika Jeriko; zvino wakati achibuda Jeriko navadzidzi vake nechaunga chikuru, Bartimeo bofu, mwanakomana waTimeo, akanga agere padivi penzira achipemha.
Shona SUB 2002 Bible
Vakasvika Jeriko; zvino akati achibuda Jeriko navadzidzi vake navazhinji zhinji, Bhatimeo, mwanakomana waTimeo, raiva bofu riri rombe, wakanga agere panzira.