Mark 10:51 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akamupindura, akati kwaari: Unoɗa kuti ndikuitireiko? Ƃofu rikati kwaari: Raboni, kuti ndiʋone.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akamubvunza akati, “Unoda kuti ndikuitirei?” Murume uya bofu akati, “Rabhi, ndinoda kuona.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu ndokuti kwaari, “Chii chaunoda kuti ndikuitire?” Bofu rakati kwaari, “Mudzidzisi itai kuti ndione.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akamupindura, akati kwaari, “Unoda kuti ndikuitireiko?” Bofu rikati kwaari, “Rabhoni, kuti ndione.”
Shona 2009?
Jesu akapindura, akati kwaari: Unoda kuti ndikuitireiko? Bofu rikati kwaari: Raboni*, kuti ndivonezve.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akamupindura, akati kwaari, “Unoda kuti ndikuitireiko?” Bofu rikati kwaari, “Rabhoni, kuti ndione.”