Mark 11:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino wakati aciʋona muʋonde uri kure. unamashizha, akaenda’ ko, aciti, ɀimŋe uŋgawana cinhu pauri; ɀino aciȿika pauri, haana‐kuwana cinhu, asi mashizha ɓedzi; nokuti yakaŋga isi ŋguʋa yamaʋonde.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaona muonde uri kure una mashizha, akaenda kundoona kana wakanga une muchero. Akati asvika pauri, haana chaakawana asi mashizha bedzi, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ari chinhambwe akaona muonde una mashizha akaenda ikoko kuti zvimwe angawane chinhu pauri. Akasvika pauri asi hapana chaakawana kunze kwamashizha chete, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino akati achiona muonde uri kure unamashizha, akaendako, achiti, zvimwe angawana chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha bedzi; nokuti yakanga isi nguva yamaonde.
Shona 2009?
Zvino \add wakati\add* achivona muvonde uri kure, unamashizha, akaendako achiti zvimwe angawana chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha; nokuti yakanga isi nguva yamavonde.
Shona SUB 2002 Bible
zvino akati achiona muonde uri kure unamashizha, akaendako, achiti, zvimwe angawana chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha bedzi; nokuti yakanga isi nguva yamaonde.