Mark 11:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakatȿaka paʋaŋgamuʋuraya napo; nokuti ʋakaŋga ʋacimutya, nokuti ʋazhinji ʋose ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakazvinzwa ndokubva vatanga kutsvaka nzira yokumuuraya nayo, nokuti vanhu vaimutya, nokuti vanhu vazhinji vose vaishamiswa nedzidziso yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakazvinzwa, vakatsvaka nzira yokumupfuudza nayo, nokuti vaimutya pamusana pokuti vanhu vazhinji vakanga vachishamiswa norudzidziso rwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vapristi vakuru navanyori vakati vachizvinzwa, vakatsvaka pavangamuuraya napo; nokuti vakanga vachimutya, nokuti vazhinji vose vakashamiswa nokudzidzisa kwake.
Shona 2009?
Zvino vanyori navaprista vakuru vaka\add zvi\add*nzwa, vakatsvaka kuti vangamuparadza sei; nokuti vakanga vachimutya, nokuti chaunga chose chakashamiswa nedzidziso yake.
Shona SUB 2002 Bible
Vapristi vakuru navanyori vakati vachizvinzwa, vakatsvaka pavangamuuraya napo; nokuti vakanga vachimutya, nokuti vazhinji vose vakashamiswa nokudzidzisa kwake.