Mark 11:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akati kwaʋari: Endai kumusha wakatarisana nemi; pakarepo kana mucipinda mauri, mucawana mhuru yemboŋgoro yakasuŋgirwa, isina‐kumbotaȿwa nomunhu; muisunuŋgure, mugoʋuya nayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
achiti kwavari, “Endai mumusha wakatarisana nemi, uye pamunongopinda mauri, muchawana mwana wembongoro akasungirirwa ipapo, asina kumbotasvwa nomunhu. Mumusunungure mugouya naye pano.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
achivati, “Endai mumusha wakatarisana nemi. Muchangopindamo muchawana gondora redhongi, rakasungirirwa, risina kumbotasvwa nomunhu. Risunungurei muuye naro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati kwavari, “Endai kumusha wakatarisana nemi; pakarepo kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina kumbotasva nomunhu; muisunungure, mugouya nayo.
Shona 2009?
akati kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemwi; pakarepo kana muchangopinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina-kumbotaswa nomunhu; murisunugure, mugovuya \add naro\add*.
Shona SUB 2002 Bible
akati kwavari, “Endai kumusha wakatarisana nemi; pakarepo kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina kumbotasva nomunhu; muisunungure, mugouya nayo.