Mark 11:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe muguŋgwa, asiŋganyunyuti mumŋoyo make, asi acitenda kuti ɀaanoreʋa ɀicaitika, ucaʋa naɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akati kugomo iri, ‘Enda, uzvikande mugungwa,’ uye asingakahadziki nazvo mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaareva zvichaitika, achazviitirwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvirokwazvo ndinokuudzai kuti, ‘Ani naani anoti kugomo iri simudzwa ukandwe mugungwa,’ asingakahadziki mumwoyo make asi achitenda kuti zvinhu zvaareva zvichaitika, achazviitirwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anoti kugomo iri, simudzwa, ukandwe mugungwa, asinganyunyuti mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaanoreva zvichaiitika, achava nazvo.
Shona 2009?
Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe mugungwa, asingakahadziki mumoyo make, asi achitenda kuti zvinhu izvo zvaanoreva zvichaitika, zvuchaitika kwaari zvose zvaanoreva.
Shona SUB 2002 Bible
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anoti kugomo iri, simudzwa, ukandwe mugungwa, asinganyunyuti mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaanoreva zvichaiitika, achava nazvo.