Mark 11:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka ndinoti kwamuri: Ɀinhu ɀose ɀose ɀamunonyeŋgeterera nokukumbira, tendai kuti maɀigamucira, mugoʋa naɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo ndinoti kwamuri, ‘Chipi nechipi chamunokumbira mumunamato tendai kuti matochipiwa, chichava chenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka ndinoti kwamuri, zvinhu zvose zvose zvamunokumbira nokunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo.
Shona 2009?
Naizvozvo ndinoti kwamuri: Zvinhu zvose zvose zvamunokumbira muchinyengetera, tendai kuti muchagamuchira, zvino muchawana.
Shona SUB 2002 Bible
Saka ndinoti kwamuri, zvinhu zvose–zvose zvamunokumbira nokunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo.