Mark 11:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana mukamira mucinyeŋgetera, kaŋganwirai kana munemhaka nomumŋe, kuti naƂaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga, ʋakukaŋganwirei kuɗarika kwenyu; [
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye paunomira uchinyengetera, kana mumwe munhu akakutadzira, muregerere, kuitira kuti Baba vako vari kudenga vagokuregerera zvivi zvako:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nguva dzose pamunomira muchinamata, kana pano mumwe wamuine chigumbu naye, muregererei, kuti Baba venyu vari kudenga vakuregerereiwo zvikanganiso zvenyu.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana mukamira muchinyengetera, regererai kana mune mhaka nomumwe, kuti naBaba venyu vari kudenga, vazokuregereiwo imi kudarika kwenyu; [
Shona 2009?
Kana mukamira muchinyengetera, kangamwirai kana munemhaka nomumwe; kuti naBaba venyuvo vari kudenga, vakukangamwirei kudarika kwenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Kana mukamira muchinyengetera, regererai kana mune mhaka nomumwe, kuti naBaba venyu vari kudenga, vazokuregereiwo imi kudarika kwenyu; [