Mark 11:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋamŋe ʋakaŋga ʋamire’po, ʋakati kwaʋari: Munoiteiko ɀamunosunuŋgura mhuru yemboŋgoro?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
vamwe vanhu vakanga vamirepo vakabvunza vakati, “Muri kuitei, muchisunungura mwana wembongoro uyo?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vamwe vakanga vamirepo vakati kwavari, “Ko ndochii chamavakuita, kusunungura gondora iri redhongi?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vamwe vakanga vamirepo, vakati kwavari, “Munoiteiko zvamunosunungura mhuru yembongoro?”
Shona 2009?
Vamwe vavakanga vamirepo vakati kwavari: Munoiteiko muchisunungura dhongwana?
Shona SUB 2002 Bible
Vamwe vakanga vamirepo, vakati kwavari, “Munoiteiko zvamunosunungura mhuru yembongoro?”