Mark 11:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aʋo ʋakaŋga ʋacituŋgamira, naʋakaŋga ʋaciteʋera ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Hosana, ŋgaakudzwe iye unoʋuya muzita raShe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakanga vari mberi navaya vaitevera vakadanidzira vachiti: “Hosana!” “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino vaifamba vari mberi navaimutevera vakadaidzira vachiti; “Hosana, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Avo vakanga vachitungamira, navakanga vachitevera vakadanidzira, vachiti, “Hosana, ngaakudzwe iye anouya muzita raIshe.
Shona 2009?
Zvino avo vakanga vachitungamira, navakanga vachitevera, vakadanidzira, vachiti: Hosana*! Wakaropafadzwa iye unovuya muzita raShe;
Shona SUB 2002 Bible
Avo vakanga vachitungamira, navakanga vachitevera vakadanidzira, vachiti, “Hosana, ngaakudzwe iye anouya muzita raIshe.