Mark 12:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakataŋga kutaura naʋo nemifananidzo, aciti: Mumŋe munhu wakaŋga asima munda wemizambiriŋga, akaukomba noruzhowa, akacera pokuȿinira, akaʋaka cirindo, akaupa ʋarimi, ndokufamba rwendo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino akatanga kutaura navo nemifananidzo achiti, “Mumwe murume akasima munda wemizambiringa. Akaukomberedza noruzhowa, akachera gomba rechisviniro chewaini uye akavaka shongwe yokurinda. Ipapo akauchengetesa kuvarimi uye akaenda parwendo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino akatanga kutaura kwavari nemienzaniso achiti, “Mumwe munhu akasima munda wake wamagirepisi, ndokuukomberedza noruzhowa. Akacherawo gomba rokusvinira waini, nokuvaka nharire ndokuupa kuna vamwe varimi vokuushandisa vachimubhadhara, iye ndokuenda zvake kune imwe nyika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akatanga kutaura navo nemifananidzo, achiti, “Mumwe munhu akanga asima munda wemidzambiringa, akaukomba norusvingo, akachera guvi rokusvinira, akavaka chirindo, chirefu akaurongera varimi, ndokufamba rwendo.
Shona 2009?
Zvino wakatanga kutaura kwavari nemifananidzo, \add achiti\add*: Munhu wakasima munda wemizambiringa, akaukomba noruzhowa, akachera pokusvinira, akavaka shongwe, akaukumikidza kuvarimi, ndokuenda kune imwe nyika.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akatanga kutaura navo nemifananidzo, achiti, “Mumwe munhu akanga asima munda wemizambiringa, akaukomba norusvingo, akachera guvi rokusvinira, akavaka chirindo, chirefu akaurongera varimi, ndokufamba rwendo.