Mark 12:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziʋa kuti ndimi waɀokwaɗi, musiŋgaraŋgariri ɀinoʋonekwa ɀomunhu; hamutariri ɀiri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMŋari neɀokwaɗi: Munhu Unotenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakauya kwaari vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama. Imi hamutsauswi navanhu, nokuti hamuteereri kuti ndivanaani, asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Zvakanaka here kuripa mutero kuna Kesari kana kuti kwete?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakasvikoti kwaari, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu ari pachokwadi, uye kuti hamunei nezvokuti uyu ndiani zvakare hamunei nezvokuti akamira sei, asi munodzidzisa gwara raMwari zviri pachokwadi. Ko, zviri pamutemo here kutera mutero kuna Siza, kana kuti kwete? Totera here kana kuti torega kutera?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakauya, vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wazvokwadi, musingarangariri zvinoonekwa zvomunhu; hamutariri zviri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi, munhu anotenderwa kutera mutero waKesari here, kana kwete?
Shona 2009?
Zvino vakati vavuya, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wechokwadi, hamutariri munhu; nokuti hamutariri chimiro chomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi: Zviri pamutemo kuterera Kesari mutero here, kana kwete?
Shona SUB 2002 Bible
Vakauya, vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wazvokwadi, musingarangariri zvinoonekwa zvomunhu; hamutariri zviri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi, munhu anotenderwa kutera mutero waKesari here, kana kwete?