Mark 12:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ticaripa here, kana tirege kuripa? Asi iye aciziʋa kunyeŋgera kwaʋo, akati kwaʋari: Munondiidzireiko? Ʋuyai nedenari kwandiri, ndiriʋone.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tinofanira kuripa here kana kuti tinofanira kuregera?” Asi Jesu achiziva kunyengera kwavo, akati, “Seiko muchiedza kunditeya? Ndipei kuno dhenari ndirione.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi iye akaziva unyengedzi hwavo akati kwavari, “Ko munondiedzereiko? Ndiunzirei dhenari kuti ndirione.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Tichatera here, kana tirege kutera?” Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari, “Munondiedzereiko? Uyai nedhenari kwandiri, ndirione.”
Shona 2009?
Titere here, kana tirege kutera? Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari: Munondiidzireiko? Ndivigirei dhenari*, kuti ndivone.
Shona SUB 2002 Bible
“Tichatera here, kana tirege kutera?” Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari, “Munondiedzereiko? Uyai nedhinari kwandiri, ndirione.”