Mark 12:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti, kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi asinomŋana, munuŋuna wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake ʋana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa uye akasiya mukadzi asi asina vana, munun'una wake anofanira kuwana chirikadzi uye amutsire mukoma wake vana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa achisiya mukadzi asina mwana waasiya, munun'una wake ngaagare nhaka mukadzi wake kuti amutsire mukoma wake vana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti, ‘Kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi asina mwana, munun'una wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.’
Shona 2009?
Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera \add kuti\add*: Kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi, akasasiya vana, munun'una wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.
Shona SUB 2002 Bible
“Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti, ‘Kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi asina mwana, munun'una wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.’