Mark 12:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neŋguʋa yeɀiɓereko akatuma muranda kuʋarimi, kuti apiwe naʋarimi ɀiɓereko ɀomunda wemizambiriŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakukohwa akatuma muranda kumuchengeti womunda kuti andotora kwavari zvimwe zvemichero yomunda wemizambiringa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguva yomuchero akatuma muranda wake kuvarimi vaya kundopiwa chikamu chomuchero womunda wamagirepisi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nenguva yemichero akatuma muranda kuvarimi, kuti apiwe navarimi michero yomunda wemidzambiringa.
Shona 2009?
Nenguva yakafanira, akatumira muranda kuvarimi, kuti agamuchire kubva kuvarimi zvezvibereko zvomunda wemizambiringa.
Shona SUB 2002 Bible
“Nenguva yemichero akatuma muranda kuvarimi, kuti apiwe navarimi michero yomunda wemizambiringa.