Mark 12:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kana ʋacimuka kuʋakafa, haʋawani kana kuwaniswa; asi ʋakaita saʋatumŋa kuɗeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakafa pavanomuka, havazowani uye havazowaniswi; vachaita savatumwa vokudenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti pakumuka kwavanhu kuvafi havacharoori kana kuroorwa asi kuti vachagara savatumwa vari kudenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti kana vachimuka kuvakafa, havawani kana kuwanikwa; asi vakaita savatumwa kudenga.
Shona 2009?
Nokuti kana vachimuka kuvakafa, havawani, kana kuwaniswa, asi vakaita savatumwa vari kudenga.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti kana vachimuka kuvakafa, havawani kana kuwanikwa; asi vakaita savatumwa kudenga.