Mark 12:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe waʋanyori wakaŋga anzwa kutaurirana kwaʋo, aciziʋa kuti wakaŋga aʋapindura ɀakanaka, wakaʋuya, akamubvunza, aciti: Murairo wokutaŋga payose ndoupiko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe wavadzidzisi vomurayiro akauya akavanzwa vachitaurirana. Akaona kuti Jesu akanga avapa mhinduro yakanaka, akamubvunza akati, “Pamirayiro yose, ndoupiko unonyanya kukosha?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino mumwe wenyanzvi dzoMutemo akasvika akavanzwa vachiitirana naye nharo. Zvaakaona kuti Jesu avapindura nomazvo akamubvunza achiti, “Ko mutemo wechiposhi — poshi pane mitemo yose ndoupi?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe wavanyori akanga anzwa kutaurirana kwavo, achiziva kuti akanga avapindura zvakanaka, akauya, akamubvunza, achiti, “Murayiro wokutanga pana yose ndoupiko?”
Shona 2009?
Zvino mumwe wavanyori wakasvika, wakati anzwa vachirangana, achiziva kuti wakanga avapindura zvakanaka, akamubvunza \add achiti\add*: Ndoupiko murairo wokutanga kune yose?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe wavanyori akanga anzwa kutaurirana kwavo, achiziva kuti akanga avapindura zvakanaka, akauya, akamubvunza, achiti, “Murairo wokutanga pana yose ndoupiko?”