Mark 12:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu wakati aciʋona kuti wapindura nokufuŋga, akati kwaari: Hauzi kure noʋushe bgaMŋari. Kukasaʋa nomunhu wakazotsuŋga kumubvunza cinhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati aona kuti akanga apindura nokuchenjera, akati kwaari, “Hausi kure noumambo hwaMwari.” Uye kubvira ipapo hakuna munhu akazotsunga kumubvunza mimwezve mibvunzo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu paakanzwa kuti apindura noungwaru akamuti, “Hausiri kure noumambo hwaMwari.” Kubva ipapo hapana naakazoshinga kumubvunza kana mumwe mubvunzo zvawo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akati achiona kuti apindura nokufunga, akati kwaari, “Hausi kure noushe hwaMwari.” Kukasava nomunhu akazotsunga kumubvunza chinhu.
Shona 2009?
Zvino, Jesu wakati achizvivona kuti wapindura nenjere, akati kwaari: Hausi kure noushe hwaMwari. Kukasava nomunhu shure kwaizvozvo wakazotsunga kumubvunza.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu akati achiona kuti apindura nokufunga, akati kwaari, “Hausi kure noushe hwaMwari.” Kukasava nomunhu akazotsunga kumubvunza chinhu.