Mark 12:35 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu wakati acidzidzisa mutembere, akapindura, akati: Ʋanyori ʋanoreʋa seiko kuti Kristu ndiye mŋanakomana waDavidi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu paakanga achidzidzisa ari mutemberi, akabvunza akati, “Seiko vadzidzisi vomurayiro vachiti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu zvaakanga achidzidzisa muTemberi akati, “Seiko nyanzvi dzoMutemo dzichiti, ‘Kristu Mwanakomana waDhavhidhi?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akati achidzidzisa mutemberi, akapindura, akati, “Vanyori vanoreva seiko kuti Kristu ndiye mwanakomana waDhavhidhi?
Shona 2009?
Zvino Jesu wakati achidzidzisa mutembere, akapindura akati: Vanyori vanoreva seiko kuti Kristu ndiye mwanakomana waDhavhidhi?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu akati achidzidzisa mutemberi, akapindura, akati, “Vanyori vanoreva seiko kuti Kristu ndiye mwanakomana waDhavhidhi?