Mark 12:37 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi amene unomuidza Ishe, uŋgagoʋa mŋanakomana wake seiko? Ʋazhinji‐zhinji ʋakaŋga ʋacifara kumunzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Davhidhi pachake anomuti ‘Ishe.’ Zvino anogova mwanakomana wake seiko?” Vanhu vazhinji vakateerera kwaari nomufaro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Dhavhidhi pachake anomuti, ‘Tenzi,’ ko zvino angagova mwana wake sei?” Voruzhinji vaifarira kumuteerera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Dhavhidhi amene anoti, ‘Ishe,’ angagova mwanakomana wake seiko?” Vazhinji-zhinji vakanga vachifara kumunzwa.
Shona 2009?
Naizvozvo Dhavhidhi amene unomuidza Ishe, \add ungagova\add* mwanakomana wake seiko? Vazhinji-zhinji vakamunzwa nomufaro.
Shona SUB 2002 Bible
“Dhavhidhi amene anoti, ‘Ishe,’ angagova mwanakomana wake seiko?” Vazhinji zhinji vakanga vachifara kumunzwa.