Mark 12:40 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋaciparadza dzimba dzecirikadzi, ʋacinyeŋgetera neminyeŋgetero mirefu. Iʋaʋa ʋacatoŋgerwa ɀakaipa nokupfuʋurisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanopedza dzimba dzechirikadzi uye vanoita munyengetero mirefu kuti vaonekwe navanhu. Vanhu vakadai vacharangwa zvikuru kwazvo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanodya twemba dzechirikadzi, uye vanoita minamato mirefu yokungobata zvavo vanhu kumeso. Vachatemerwa chirango chakaremesesa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vachiparadza dzimba dzechirikadzi, vachinyengetera neminyengetero mirefu. Ivava vachatongerwa mhosva huru inodarika yavamwe.”
Shona 2009?
vachidya dzimba dzechirikadzi, uye nokunyengera vachiita minyengetero mirefu; ivava vachagamuchira kurashwa kukuru.
Shona SUB 2002 Bible
vachiparadza dzimba dzechirikadzi, vachinyengetera neminyengetero mirefu. Ivava vachatongerwa mhosva huru inodarika yavamwe.”