Mark 12:41 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakaŋga agere akatarisana neciʋigiro cemari, akatarira ʋanhu ʋazhinji ʋaciisa mari muciʋigiro; ʋafumi ʋazhinji ʋakaŋga ʋaciisa ɀizhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akagara pasi akatarisana nenzvimbo yaiiswa zvipo uye akatarisisa vanhu vazhinji vachiisa mari yavo muchivigiro chemari mutemberi. Vapfumi vazhinji vaikandamo mari zhinji.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti Jesu agara pasi akatarisana nenzvimbo yaichengeterwa upfumi hweTemberi. Akaongorora uzhinji hwavanhu hwaikanda mari maichengeterwa upfumi hweTemberi. Vapfumi vazhinji vakakanda mari zhinji.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akanga agere akatarisana neimba yaichengeterwa upfumi hwetemberi akatarira vanhu vazhinji vachikanda mari muzibhokisi, vapfumi vazhinji vakanga vachikanda zvizhinji.
Shona 2009?
Zvino wakanga agere akatarisana nechivigiro chemari, akatarira kuti chaunga chinokanda sei mari muchivigiro; zvino vafumi vazhinji vakanga vachiisa zvizhinji.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akanga agere akatarisana neimba yaichengeterwa upfumi hwetemberi akatarira vanhu vazhinji vachikanda mari muzibhokisi, vapfumi vazhinji vakanga vachikanda zvizhinji.