Mark 12:44 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti aʋo ʋose ʋakaisa ʋacitora paɀizhinji ɀaʋo; asi iye wakaisa acitora pakushaiwa kwake, ɀose ɀaakaŋga anaɀo, ɀose ɀaaifanira kurarama naɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vose vapa kubva paupfumi hwavo; asi chirikadzi iyi yapa, ichitora pakushayiwa kwayo, yaisa zvose zvose zvayanga ichifanira kurarama nazvo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti ivo vose vaisa zvabva mune zvakawanda zvavanazvo. Asi iyo nourombo hwayo yaisa zvose zvinoiraramisa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti avo vose vakaisa vachitora pazvizhinji zvavo; asi iye wakaisa achitora pakushaiwa kwake, zvose zvaakanga anazvo, zvose zvaaifanira kurarama nazvo.”
Shona 2009?
nokuti avo vose vakanda pazvizhinji zvavo; asi iye pakushaiwa kwake wakanda zvose zvaanazvo, zvose zvoupenyu hwake.
Shona SUB 2002 Bible
nokuti avo vose vakaisa vachitora pazvizhinji zvavo; asi iye wakaisa achitora pakushaiwa kwake, zvose zvaakanga anazvo, zvose zvaaifanira kurarama nazvo.”