Mark 12:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakamuɓata, ʋakamuʋuraya, ʋakamuɓuɗisa kunze kwomunda wemizambiriŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka vakamutora vakamuuraya, vakamurasira kunze kwomunda wemizambiringa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakamubata, vakamuuraya, ndokumukanda kunze kwomunda wamagirepisi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakamubata, vakamuuraya, vakamubudisa kunze kwomunda wemidzambiringa.
Shona 2009?
Vakamutora, vakavuraya, vakaposhera kunze komunda wemizambiringa.
Shona SUB 2002 Bible
Vakamubata, vakamuuraya, vakamubudisa kunze kwomunda wemizambiringa.