Mark 13:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ʋacienda nemi kukutoŋgwa, ʋacikuisai kumakurukota, musambofuŋganya ɀamucataura, asi taurai camuneŋge mapiwa neŋguʋa iyo. Nokuti hamuzimi munotaura, asi ndi Mŋeya Mutȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pose pamunenge masungwa uye mamiswa pakutongwa, musatanga kufunganya pamusoro pezvamuchataura. Taurai zvose zvose zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, nokuti hamusimi munotaura, asi Mweya Mutsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana voenda nemi, vava kundokukwidzai pamatare, musazvinetse nezvokuti muchazondotaurei; asi zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, taurai izvozvo, nokuti hamusirimi munenge motaura asi Mweya Mutsvene.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana vachienda nemi kunotongwa, vachikuisai kumakurukota, musambofunganya zvamuchataura, asi taurai chamunenge mapiwa nenguva iyo. Nokuti hamusirimi munotaura, asi ndiMweya Mutsvene.
Shona 2009?
Asi kana vachi\add ku\add*kwevai, vachikukumikidzai \add kumakurukota\add*, musambofunganya pakutanga zvamuchataura kana kufanorangarira, asi chero zvamunenge mapiwa nenguva iyo imwi taurai izvozvo; nokuti hamuzimwi munotaura, asi Mweya Mutsvene.
Shona SUB 2002 Bible
Kana vachienda nemi kunotongwa, vachikuisai kumakurukota, musambofunganya zvamuchataura, asi taurai chamunenge mapiwa nenguva iyo. Nokuti hamusirimi munotaura, asi ndiMweya Mutsvene.